Deuteronomy 23:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haufaniri kuʋuya nomuɓayiro wecifeʋe, kana muteŋgo wembga, muimba yaJehova Mŋari wako, kuti upike nawo; nokuti iɀo ɀiʋiri ɀose ɀinonyaŋgadza Jehova Mŋari wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hamufaniri kuuya nomubayiro wechifeve kana wemhombwe mumba maJehovha Mwari wenyu kuti mupike nawo. Nokuti zvose izvi zviri zviviri zvinonyangadza Jehovha Mwari wenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange mari yamunobvisa kuripa zvemhiko dzenyu kuimba yaTenzi Mwari wenyu, regai kuiunza ichibva pamari inowanikwa noufeve kana nezvowumbwa uhwu hwemhombwe nokuti zviito izvozvi zvinosemesa pana Tenzi Mwari wenyu zvose zviri zviviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haufaniri kuuya nomubayiro wechifeve, kana mutengo wembwa, muimba yaJehovha Mwari wako, kuti upike nawo; nokuti izvo zviviri zvose zvinonyangadza Jehovha Mwari wako.
Shona 2009?
Haufaniri kuuya nomubayiro wechifeve, kana mutengo wembwa, muimba yaJehovha Mwari wako, kuti upike nawo; nokuti izvo zviviri zvose zvinonyangadza Jehovha Mwari wako.
Shona SUB 2002 Bible
Haufaniri kuuya nomubairo wechifeve, kana mutengo wembwa, muimba yaJehovha Mwari wako, kuti upike nawo; nokuti izvo zviviri zvose zvinonyangadza Jehovha Mwari wako.