Deuteronomy 23:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mutorwa uŋgamupa cikwerete, ucireʋa mhindu; asi haufaniri kupa hama yako cikwerete, ucireʋa mhindu; kuti Jehova Mŋari wako akuropafadze paɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako, panyika yaunoenda kuti iʋe yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ungaripisa zvako mutorwa mhindu, asi kwete hama yako muIsraeri, kuitira kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pane zvose zvaungabate noruoko rwako munyika yauri kupinda kuti ive yenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana ari mutorwa ungamuripise zvako mubereko pane zvaunomukweretesa, asi mumwe wako muIsiraeri usamuripise mubereko kuitira kuti Tenzi Mwari wako akukomborere pane zvose zvaunoita munyika yauri kundotora kuti ive yako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mutorwa ungamupa chikwerete, uchireva mhindu; asi haufaniri kupa hama yako chikwerete, uchireva mhindu; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pazvose zvaunobata namaoko ako, panyika yaunoenda kuti ive yenyu.
Shona 2009?
Mutorwa ungamupa chikwereti, uchireva mhindu; asi haufaniri kupa hama yako chikwereti, uchireva mhindu; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pazvose zvaunobata namaoko ako, panyika yaunoenda kuti ive yenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Mutorwa ungamupa chikwereti, uchireva mhindu; asi haufaniri kupa hama yako chikwereti, uchireva mhindu; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pazvose zvaunobata namaoko ako, panyika yaunoenda kuti ive yenyu.