Deuteronomy 24:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kumupa muɓairo wake zuʋa rimŋe nerimŋe, zuʋa ŋgarirege kuʋira asanhi apiwa; nokuti murombo, nomŋoyo wake unoutarira; kuti arege kuzocema kunaJehova pamsoro pako, ɀikaʋa ɀiʋi kwauri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mupe mubayiro wake zuva risati ravira, nokuti iye murombo akatotarirawo pamugove wake. Nokuti angazochema kuna Jehovha pamusoro pako, uye uchazova nemhosva yokutadza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mubhadhare basa raaita pazuva iroro kusati kwadoka nokuti murombo, uye ndopanenge pane mwoyo wake ipapo. Angadaro akachema newe kuna Tenzi chikazova chitadzo kwauri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unofanira kumupa mubayiro wake zuva rimwe nerimwe, zuva ngarirege kuvira asati apiwa; nokuti murombo, nomwoyo wake unoutarira; kuti arege kuzochema kuna Jehovha pamusoro pako, zvikava zvivi kwauri.
Shona 2009?
Unofanira kumupa mubayiro wake zuva rimwe nerimwe, zuva ngarirege kuvira asati apiwa; nokuti murombo, nomoyo wake unoutarira; kuti arege kuzochema kuna Jehovha pamusoro pako, zvikava zvivi kwauri.
Shona SUB 2002 Bible
Unofanira kumupa mubairo wake zuva rimwe nerimwe, zuva ngarirege kuvira asati apiwa; nokuti murombo, nomwoyo wake unoutarira; kuti arege kuzochema kuna Jehovha pamusoro pako, zvikava zvivi kwauri.