Deuteronomy 24:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ukakohwa ɀiyo ɀako mumunda mako, ukakaŋganwa cisote mumunda, haufaniri kudzokera kundocitora; cinofanira kuʋa comutorwa, nenherera, necirikadzi; kuti Jehova Mŋari wako akuropafadze pamaɓasa ose amaʋoko ako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana uchikohwa munda wako ukakanganwa chisote, usachidzokera kundochitora. Chisiyire mutorwa, nherera kana chirikadzi, kuiitira kuti Jehovha Mwari wako agokuropafadza mumabasa ose amaoko ako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Paunokohwa mbesa mumunda wako, ukakanganwa chisumbu chadzo usadzokere kundochitora. Ngachisarire vatorwa nenherera nechirikadzi kuitira kuti Tenzi Mwari wako akukomborere pane zvaunoita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana ukakohwa zviyo zvako mumunda mako, ukakanganwa chisote mumunda, haufaniri kudzokera kundochitora; chinofanira kuva chomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pamabasa ose amaoko ako.
Shona 2009?
"Kana ukakohwa zviyo zvako mumunda mako, ukakangamwa chisote mumunda, haufaniri kudzokera kundochitora, chinofanira kuva chomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pamabasa ose amaoko ako.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana ukakohwa zviyo zvako mumunda mako, ukakanganwa chisote mumunda, haufaniri kudzokera kundochitora; chinofanira kuva chomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pamabasa ose amaoko ako.