Deuteronomy 24:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu acaŋgowana mukadzi, haafaniri kuenda kuhondo, kana kuɓatiswa rimŋe ɓasa; unofanira kugara kumusha gore rimŋe akasunuŋguka, kuti afadze mukadzi wake waakawana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana murume achangobva kuwana, haafaniri kuendeswa kuhondo kana kupiwa rimwe basa zvaro rokuita. Kwegore rimwe chete anofanira kusununguka kuti agare pamba agofadza mukadzi wake waakawana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana murume apiwa mukadzi waachangobva mukuroora ngaarege kuenda kuhondo, kana kupiwa mutoro webasa renyika yake rinofanira kuitwa. Ngaagare zvake pamusha kwegore rose achivaraidzana nomudzimai waakaroora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana munhu achangowana mukadzi, haafaniri kuenda kuhondo, kana kubatiswa rimwe basa; anofanira kugara kumusha gore rimwe akasununguka, kuti afadze mukadzi wake waakawana.
Shona 2009?
"Kana munhu achangowana mukadzi, haafaniri kuenda kuhondo, kana kubatiswa rimwe basa; anofanira kugara kumusha gore rimwe akasununguka, kuti afadze mukadzi wake waakawana.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana munhu achangowana mukadzi, haafaniri kuenda kuhondo, kana kubatiswa rimwe basa; anofanira kugara kumusha gore rimwe akasununguka, kuti afadze mukadzi wake waakawana.