Deuteronomy 24:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu akawanikwa aciɓa mumŋe wehama dzake kuʋana ʋaIsraeri, akamuita muranda wake, kana kumuteŋgesa, uyo muɓi unofanira kufa; saiɀoɀo unofanira kubvisa cakaipa pakati pako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu akawanikwa achitapa hama yake yomuIsraeri uye achimubata senhapwa kana kumutengesa, nyakubata munhu anofanira kufa. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana munhu akawanikidzwa achiba mumwe wake wechiIsiraeri, achimuita muranda wake kana kumutengesa, nyakuba munhu ngaaurayiwe. Naizvozvo muchabvisa huipi hwakadai pakati penyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana munhu akwanikwa achiba mumwe wehama dzake kuvana vaIsiraeri, akamuita muranda wake, kana kumutengesa, uyo mubi anofanira kufa; saizvozvo unofanira kubvisa chakaipa pakati pako.
Shona 2009?
"Kana munhu akawanikwa achiba mumwe wehama dzake kuvana vaIsiraeri, akamuita muranda wake, kana kumutengesa, uyo mubi anofanira kufa; saizvozvo unofanira kubvisa chakaipa pakati pako.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana munhu akwanikwa achiba mumwe wehama dzake kuvana VaIsiraeri, akamuita muranda wake, kana kumutengesa, uyo mubi anofanira kufa; saizvozvo unofanira kubvisa chakaipa pakati pako.