Deuteronomy 25:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kuʋa neciyereso cakakwana, cakarurama; kuti mazuʋa ako aʋe mazhinji panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Unofanira kuva nezviereso nezvipimiso zvakanaka uye zvechokwadi kuitira kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Unosungirwa kuva nezviereso nezvokupimisa zvechokwadi zviri pamwero kuti mazuva ako awande munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unofanira kuva nechiyereso chakakwana, chakarurama; kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
Shona 2009?
Unofanira kuva nechiyereso chakakwana, chakarurama; kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
Shona SUB 2002 Bible
Unofanira kuva nechiyereso chakakwana, chakarurama; kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.