Deuteronomy 25:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana Jehova Mŋari wako akupa zororo paʋaʋeŋgi ʋako ʋose, ʋanokupoteredza panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, iʋe nhaka yako, unofanira kubvisa pasi pokuɗeŋga ɀose ɀinoraŋgaridza Amareki; usakakaŋganwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana Jehovha Mwari wenyu akupai zvose kubva kuvavengi vakakupoteredzai munyika yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, munofanira kudzima kurangarirwa kwaAmareki kubva pasi pedenga. Musazokanganwa!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo, kana Tenzi Mwari wako azokupa zororo kuvavengi vako vose vari munharaunda yenyika yako yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako, tsakatisa rudzi rwaAmareki pasi pano, usakanganwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana Jehovha Mwari wako akupa zororo pavavengi vako vose, vanokupoteredza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ive nhaka yako, unofanira kubvisa pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki; usakakanganwa.
Shona 2009?
Zvino kana Jehovha Mwari wako akupa zororo pavavengi vako vose, vanokupoteredza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ive nhaka yako, unofanira kubvisa pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki; usakakangamwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana Jehovha Mwari wako akupa zororo pavavengi vako vose, vanokupoteredza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ive nhaka yako, unofanira kubvisa pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki; usakakanganwa.