Deuteronomy 25:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ʋana ʋomunhu mumŋe ʋagere pamŋe cete, mumŋe waʋo akafa asinomŋanakomana, mukadzi wowakafa haafaniri kuwanikwa nomutorwa kunze kwehama; munuŋuna womurume wake unofanira kupinda kwaari, aʋe mukadzi wake, amuitire seɀinofanira kuita munuŋuna womurume.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana hama dzichigara pamwe chete mumwe wavo akafa asina mwanakomana, chirikadzi yake haifaniri kuwanikwa kunze kwemhuri. Hama yomurume wake inofanira kumutora nokumuwana uye agoita zvinofanira kuitwa nehama yomurume wake kwaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana vanakomana vomunhu mumwe vagere pamwechete, mumwe obva afa asina mwana mukomana, chirikadzi yaanosiya haifaniri kuroorwa nomutorwa. Muramu wake ngaamugarire nhaka achengetedzewo murao wenhaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana vana vomunhu mumwe vagere pamwechete, mumwe wavo akafa asina mwanakomana, mukadzi wowakafa haafaniri kuwanikwa nomutorwa kunze kwehama; mun'una womurume wake anofanira kupinda kwaari, ave mukadzi wake, amuitire sezvinofanira kuita mun'una womurume.
Shona 2009?
"Kana vana vomunhu mumwe vagere pamwechete, mumwe wavo akafa asina mwanakomana, mukadzi wowakafa haafaniri kuwanikwa nomutorwa kunze kwehama; munun'una womurume wake anofanira kupinda kwaari, ave mukadzi wake, amuitire sezvinofanira kuita munun'una womurume.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana vana vomunhu mumwe vagere pamwechete, mumwe wavo akafa asina mwanakomana, mukadzi wowakafa haafaniri kuwanikwa nomutorwa kunze kwehama; munun'una womurume wake anofanira kupinda kwaari, ave mukadzi wake, amuitire sezvinofanira kuita munun'una womurume.