Deuteronomy 25:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu asiŋgaɗi kuwana mukadzi womukoma wake, mukadzi womukoma wake unofanira kukwira kusuʋo raʋakuru, agoti: Munuŋuna womurume waŋgu unoramba kumutsira mukoma wake zita munaIsraeri, haaɗi kundiitira seɀinofanira kuita munuŋuna womurume.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi, kana munhu asingadi kuwana mukadzi wehama yake, mukadzi achaenda kuvakuru pasuo reguta agoti, “Hama yomurume wangu yaramba kumutsa zita romukoma wake muIsraeri. Haadi kuita zvinofanira kuitwa nehama yomurume kwandiri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana muramu uya asingadi kugara nhaka mukadzi womukoma kana munun'una wake ngaaende kuvakuru vakuru kuzambara kundomhan'ara achiti, ‘Muramu wangu ari kuramba kumutsiridza zita rehama yake muIsiraeri muno. Ari kuramba kuita basa rake rokundigarira nhaka.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu asingadi kuwana mukadzi womukoma wake, mukadzi womukoma wake anofanira kukwira kusuo ravakuru, agoti, ‘Mun'una womurume wangu unoramba kumutsira mukoma wake zita muna Isiraeri, haadi kundiitira sezvinofanira kuita mun'una womurume.’
Shona 2009?
Kana munhu asingadi kuwana mukadzi womukoma wake, mukadzi womukoma wake anofanira kukwira kusuo ravakuru, agoti, `Munun'una womurume wangu unoramba kumutsira mukoma wake zita muna Isiraeri, haadi kundiitira sezvinofanira kuita munun'una womurume.'
Shona SUB 2002 Bible
Kana munhu asingadi kuwana mukadzi womukoma wake, mukadzi womukoma wake anofanira kukwira kusuwo ravakuru, agoti, ‘Munun'una womurume wangu unoramba kumutsira mukoma wake zita muna Isiraeri, haadi kundiitira sezvinofanira kuita munun'una womurume.’