Deuteronomy 25:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mukadzi womukoma wake unofanira kuʋuya kwaari pamberi paʋakuru, ndokubvisa shaŋgu yake parutsoka rwake, ndokumupfira mate pameso, agopindura aciti: Ndiɀo ɀinofanira kuitirwa munhu usiŋgaʋaki imba yomukoma wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
chirikadzi yehama yake inofanira kuenda kwaari pamberi pavakuru, agomubvisa imwe yeshangu dzake, uye agomusvipira kumeso achiti, “Izvi ndizvo zvinoitwa kumurume anoramba kuvaka imba yomukoma wake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukadzi uya ngaaende kumuramu wake omubvisa shangu yake, omupfira mate kuuso, vakuru vakuru varipo obva ati, ‘Izvi ndizvo zvinoitwa kumunhu asingadi kuti musha womukoma kana munun'una wake ukure.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mukadzi womukoma wake anofanira kuuya kwaari pamberi pavakuru, ndokubvisa shangu yake parutsoka rwake, ndokumupfira mate pameso, agopindura achiti, ‘Ndizvo zvinofanira kuitirwa munhu usingavaki imba yomukoma wake.’
Shona 2009?
mukadzi womukoma wake anofanira kuuya kwaari pamberi pavakuru, ndokubvisa shangu yake parutsoka rwake, ndokumupfira mate pameso, agopindura achiti, `Ndizvo zvinofanira kuitirwa munhu usingavaki imba yomukoma wake.'
Shona SUB 2002 Bible
mukadzi womukoma wake anofanira kuuya kwaari pamberi pavakuru, ndokubvisa shangu yake parutsoka rwake, ndokumupfira mate pameso, agopindura achiti, ‘Ndizvo zvinofanira kuitirwa munhu usingavaki imba yomukoma wake.’