Deuteronomy 26:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana wapedza kutsaura ɀegumi ɀeɀiɓereko ɀako ɀose negore recitatu, nokuti ndiro gore rokutsaura ɀegumi, unofanira kuɀipa muRevi, nomutorwa, nenherera, necirikadzi, kuti ʋadye mukati mamasuʋo ako, ʋagute.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana uchinge wapedza kutsaura chegumi chezvose zvawakawana mugore rechitatu, gore rechegumi, uchachipa kuvaRevhi, nokumutorwa, nokunherera uye nokuchirikadzi, kuitira kuti vagodya vachiguta mumaguta enyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Gore rechitatu roga roga, igore rokubvisa chegumi chezvose zvaunowana uchipa muRevhi nomutorwa nenherera nechirikadzi kuti dzidye dzigute mumaguta enyu. Kana wapedza
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana wapedza kutsaura zvegumi zvezvibereko zvako zvose negore rechitatu, nokuti ndiro gore rokutsaura zvegumi, unofanira kuzvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti vadye mukati mamasuo ako, vagute.
Shona 2009?
"Zvino kana wapedza kutsaura zvegumi zvezvibereko zvako zvose negore rechitatu, nokuti ndiro gore rokutsaura zvegumi, unofanira kuzvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti vadye mukati mamasuo ako, vagute.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana wapedza kutsaura zvegumi zvezvibereko zvako zvose negore rechitatu, nokuti ndiro gore rokutsaura zvegumi, unofanira kuzvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti vadye mukati mamasuwo ako, vagute.