Deuteronomy 26:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo iwe unofanira kutaura pamberi paJehova Mŋari wako, uciti: Ndabvisa mumba maŋgu ɀinhu ɀakatsaurwa, ndikaɀipa muRevi, nomutorwa, nenherera, necirikadzi, ɀose seɀamakandiraira; handina‐kuɗarika mumŋe wemirairo yenyu, kana kuikaŋganwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ugoti kuna Jehovha Mwari wako, “Ndabvisa mugove mutsvene paimba yangu uye ndaupa kumuRevhi, nokumutorwa, nokunherera uye nokuchirikadzi, maererano nezvose zvamakarayira. Handina kutsauka kubva pamirayiro yenyu kana kukanganwa kunyange mumwe chete zvawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
enda undotaura pana Tenzi Mwari wako kuti, ‘Ndatora mumba mangu chikamu chamakatema kuti ndechenyu ndikapa muRevhi nomutorwa nenherera nechirikadzi sokundirayira kwamakaita, handina kumbodarika kana kukanganwa mirao yenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo iwe unofanira kutaura pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, ‘Ndabvisa mumba mangu zvinhu zvakatsaurwa, ndikazvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, zvose sezvamakandiraira; handina kudarika mumwe wemirairo yenyu, kana kuikanganwa.
Shona 2009?
Ipapo iwe unofanira kutaura pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, `Ndabvisa mumba mangu zvinhu zvakatsaurwa, ndikazvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, zvose sezvamakandiraira; handina kudarika mumwe wemirairo yenyu, kana kuikangamwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo iwe unofanira kutaura pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, ‘Ndabvisa mumba mangu zvinhu zvakatsaurwa, ndikazvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, zvose sezvamakandiraira; handina kudarika mumwe wemirairo yenyu, kana kuikanganwa.