Deuteronomy 26:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhasi Jehova Mŋari wako unokuraira kuti uite iɀi ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa; naiɀoɀo unofanira kuɀiceŋgeta nokuɀiita nomŋoyo wako wose nomŋeya wako wose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha Mwari wenyu anokurayirai nhasi kuti muteerere mitemo nemirayiro iyi; muchenjerere kuichengeta nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nhasi uno Tenzi Mwari wako anoti teerera mitemo nemirao iyoyi, uichengete nomwoyo wako wose nomweya wako wose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nhasi Jehovha Mwari wako unokuraira kuti uite izvi zvakatemwa nezvakatongwa; naizvozvo unofanira kuzvichengeta nokuzviita nomwoyo wako wose nomweya wako wose.
Shona 2009?
"Nhasi Jehovha Mwari wako unokuraira kuti uite izvi zvakatemwa nezvakatongwa, naizvozvo unofanira kuzvichengeta nokuzviita nomoyo wako wose nomweya wako wose.
Shona SUB 2002 Bible
“Nhasi Jehovha Mwari wako unokuraira kuti uite izvi zvakatemwa nezvakatongwa; naizvozvo unofanira kuzvichengeta nokuzviita nomwoyo wako wose nomweya wako wose.