Deuteronomy 26:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
NaJehova wakakupikisa iwe kuti ucaʋa rudzi rwake cairwo, seɀaakakupikira, ʋuye kuti ucaceŋgeta mirairo yake yose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jehovha azvireva nhasi kuti imi muri vanhu vake, pfuma yake inokosha sezvaakavimbisa, uye kuti imi muchachengeta mirayiro yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi abvumawo nhasi kuti imi ndimi vanhu vake chaivoivo sokukutaurirai kwaakaita uye kuti muchachengeta mitemo yake yose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
NaJehovha wakakupikisa iwe kuti uchava rudzi rwake chairwo, sezvaakakupikira, uye kuti uchachengeta mirairo yake yose;
Shona 2009?
NaJehovha wakakupikisa iwe kuti uchava rudzi rwake chairwo, sezvaakakupikira, uye kuti uchachengeta mirairo yake yose;
Shona SUB 2002 Bible
NaJehovha akakupikira iwe kuti uchava rudzi rwake chairwo, sezvaakakupikira, uye kuti uchachengeta mirairo yake yose;