Deuteronomy 26:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
unofanira kutora ɀitȿa ɀeɀiɓereko ɀose ɀenyika, ɀaunowana panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, ndokuɀiisa muɗeŋgu, ndokuenda naɀo kunɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako, kuti agarise’po zita rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
utore zvimwe zvezvibereko zvose zvokutanga zvauchakohwa kubva pavhu renyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako ugozviisa mudengu. Ipapo ugoenda kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wako achasarudza kuti Zita rake rigarepo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
pamhando dzose dzembesa dzako kana odzikohwa unofanira kutora dzokutanga dzacho uise mutswanda uende nadzo kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako kuisa zita rake kuti rivepo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
unofanira kutora zvitsva zvezvibereko zvose zvenyika, zvaunowana panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ndokuzviisa mudengu, ndokuenda nazvo kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarisepo zita rake.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible