Deuteronomy 26:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe ugopupura, uciti pamberi paJehova Mŋari wako: Ƃaɓa ʋaŋgu ʋakaŋga ʋari muArameya, mufambi wakaŋga oɗo‐kuparara, akaɓurukira Egipita, akagara’po, anaʋanhu ʋashoma haʋo; ʋakaitwa’po rudzi rukuru, runesimba, runaʋanhu ʋazhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo uchareva pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, “Baba vangu vakanga vari muAramu mufambi, vakadzika vakaenda kuIjipiti navanhu vashoma uye vakagarako vakazova rudzi rukuru, rune simba uye runa vanhu vazhinji.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pana Tenzi Mwari wako ipapo taura uchiti, ‘Baba vangu vaiva muAramu, vaiva munhu aingoti apa garei tamei apa garei tamei, vakaenda kuIjipiti vakagarako nemhuri yavo yavanhu vashomashoma. Vari ikoko vakazova rudzi rukuru, runa simba, runa vanhu vazhinji.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe ugopupura, uchiti pamberi paJehovha Mwari wako, ‘Baba vangu vakanga vari muArameya, mufambi wakanga oda kuparara, akaburukira Ijipiti, akagarapo, ana vanhu vashoma havo; vakaitwapo rudzi rukuru, rune simba, runa vanhu vazhinji.
Shona 2009?
iwe ugopupura, uchiti pamberi paJehovha Mwari wako, `Baba vangu vakanga vari muArameya, mufambi wakanga oda kuparara, akaburukira Ijipiti, akagarapo, ana vanhu vashoma havo; vakaitwapo rudzi rukuru, runesimba, runa vanhu vazhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Iwe ugopupura, uchiti pamberi paJehovha Mwari wako, ‘Baba vangu vakanga vari muArameya, mufambi wakanga oda kuparara, akaburukira Ijipiti, akagarapo, ana vanhu vashoma havo; vakaitwapo rudzi rukuru, rune simba, runa vanhu vazhinji.