Deuteronomy 27:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋgaatukwe munhu unoita mufananidzo wakaʋezwa, kana wakaʋumbga, unonyaŋgadza Jehova, riri ɓasa ramaʋoko emhizha, aciumisa pakaʋanda. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kupindura, ʋaciti: Ameni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ngaatukwe munhu anoita chifananidzo chakavezwa kana chakaumbwa, chinhu chinonyangadza Jehovha, basa ramaoko emhizha, uye agochimisa pakavanzwa.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“ ‘Ngaawirwe norushambwa munhu anoveza kana kugadzira chifananidzo chesimbi, chinhu chisingambodiwi naTenzi chakatoitwa zvacho namaoko emhizha, chikamiswa muchivande.’ Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ngaatukwe munhu unoita mufananidzo wakavezwa, kana wakaumbwa, unonyangadza Jehovha, riri basa ramaoko emhizha, achiumisa pakavanda. “Zvino vanhu vose vanofanira kupindura, vachiti, Ameni.
Shona 2009?
"Ngaatukwe munhu unoita mufananidzo wakavezwa, kana wakaumbwa, unonyangadza Jehovha, riri basa ramaoko emhizha, achiumisa pakavanda. "Zvino vanhu vose vanofanira kupindura, vachiti, Ameni.
Shona SUB 2002 Bible
“Ngaatukwe munhu unoita mufananidzo wakavezwa, kana wakaumbwa, unonyangadza Jehovha, riri basa ramaoko emhizha, achiumisa pakavanda. “Zvino vanhu vose vanofanira kupindura, vachiti, Ameni.