Deuteronomy 27:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ugonyora pamsoro pawo mashoko ose omurairo uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehova Mŋari wako, nyika inoyerera mukaka noʋuci, seɀawakapikirwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa ako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugonyora pamusoro pawo mashoko ose nomurayiro uyu kana muchinge mayambuka mhiri kuti mupinde munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
unyore paari zvirevo zvose zviri mumutemo uyu pauchayambuka uchipinda munyika yakanaka yomukaka nouchi yauri kupiwa naTenzi Mwari wako sokutsidzira kwawakaitwa naTenzi Mwari wamadzibaba ako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ugonyora pamusoro pawo mashoko ose omurayiro uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvawakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako.
Shona 2009?
ugonyora pamusoro pawo mashoko ose omurayiro uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvawakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako.
Shona SUB 2002 Bible
ugonyora pamusoro pawo mashoko ose omurairo uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvawakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako.