Deuteronomy 28:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana uciterera ɀakanaka inzwi raJehova Mŋari wako, nokucenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehova Mŋari wako ucakukurisa kupfuʋura ndudzi dzose dziri panyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana muchiteerera zvakanaka Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandinokupai nhasi, Jehovha Mwari wenyu achakuisai pamusoro-soro pendudzi dzose dzapanyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana mukateerera zvinorehwa naTenzi Mwari wenyu mukanyatsochengeta mirao yose yandiri kukuudza nhasi uno, Tenzi Mwari wako achakusimudzirai pamusoro kupfuura ndudzi dzose dzavanhu dzapasi pano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana uchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wako, nokuchenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehovha Mwari wako uchakukurisa kupfuura ndudzi dzose dziri panyika.
Shona 2009?
Zvino kana uchiteerera zvakanaka inzwi raJehovha Mwari wako, nokuchenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehovha Mwari wako uchakukurisa kupfuura ndudzi dzose dziri panyika.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana uchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wako, nokuchenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehovha Mwari wako uchakukurisa kupfuura ndudzi dzose dziri panyika.