Deuteronomy 28:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova ucashandura mvura yenyika yako iʋe ɓukuta neguruʋa; ɀicaɓurukira pamsoro pako ɀicibva kuɗeŋga, kuȿikira waparadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha achashandura mvura yenyika yako ikava guruva nemhukuta; richanaya kubva kudenga kusvikira waparadzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panze pokuti Tenzi anayise mvura, jecha neguruva ndizvo zvichanaya. Zvichabva kudenga zvichikunaya kusvikira waparara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha uchashandura mvura yenyika yako ive bukuta neguruva; zvichaburukira pamusoro pako zvichibva kudenga, kusvikira waparadzwa.
Shona 2009?
Jehovha uchashandura mvura yenyika yako ive bukuta neguruva; zvichaburukira pamusoro pako zvichibva kudenga, kusvikira waparadzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha uchashandura mvura yenyika yako ive bukuta neguruva; zvichaburukira pamusoro pako zvichibva kudenga, kusvikira waparadzwa.