Deuteronomy 28:45 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kutukwa uku kwose kucaitika kwauri, nokukuteʋera, nokukuɓata, kuȿikira waparadzwa; nokuti hauna‐kuterera inzwi raJehova Mŋari wako, nokuceŋgeta mirairo yake naɀaakatema, ɀaakakuraira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kutukwa kwose uku kuchauya pamusoro pako. Vachakutevera vagokubata kusvikira vakuparadza, nokuti hauna kuteerera Jehovha Mwari wako nokuchengeta mirayiro nemitemo yake yaakakupai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Rushambwa rwenhamo dzose idzi ruchakuwira rwugoramba rwakangoti nama nama newe kudzamara wakwana narwo rwakuparadza nokuti unenge usina kuteerera zvakarehwa naTenzi Mwari wako, usina kuchengeta mitemo nemirao yake yaakakuudza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, nokukutevera, nokukubata, kusvikira waparadzwa; nokuti hauna kuteerera izwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvaakakuraira.
Shona 2009?
"Kutukwa uku kose kuchaitika kwauri, nokukutevera, nokukubata, kusvikira waparadzwa; nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvaakakuraira.
Shona SUB 2002 Bible
“Kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, nokukutevera, nokukubata, kusvikira waparadzwa; nokuti hauna kuteerera izwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvaakakuraira.