Deuteronomy 28:52 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacakukomba pamasuʋo ako ose, kuȿikira maȿiŋgo ako marefu anesimba awa ose, awakatenda munyika yako yose; ʋacakukomba pamasuʋo ako ose panyika yako yose, yawakapiwa naJehova Mŋari wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachakomba maguta ose munyika yenyu yose kusvikira masvingo marefu amunovimba nawo awira pasi. Vachakomba maguta ose ari munyika yenyu yose yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vachakukombai mumaguta enyu kudzamara nhungamakore dzetsvingo dzawo dzamunovimba nadzo dzakoromoka munyika yenyu yose. Vachakomba maguta enyu ose omunyika yenyu yose yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vachakukomba pamasuo ako ose, kusvikira masvingo ako marefu ane simba awa ose, awakatenda munyika yako yose; vachakukomba pamasuo ako ose panyika yako yose, yawakapiwa naJehovha Mwari wako.
Shona 2009?
Vachakukomba pamasuo ako ose, kusvikira masvingo ako marefu ane simba awa ose, awakatenda munyika yako yose; vachakukomba pamasuo ako ose panyika yako yose, yawakapiwa naJehovha Mwari wako.
Shona SUB 2002 Bible
Vachakukomba pamasuwo ako ose, kusvikira masvingo ako marefu ane simba aya ose, awakatenda munyika yako yose; vachakukomba pamasuwo ako ose panyika yako yose, yawakapiwa naJehovha Mwari wako.