Deuteronomy 28:53 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ucadya ɀiɓereko ɀomuʋiri wako, nyama yaʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako, ʋawakapiwa naJehova Mŋari wako, kana wokombga nokumanikidzwa naʋaʋeŋgi ʋako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwokutambudzwa nomuvengi panguva yaachakukombai, muchadya zvibereko zvezvizvaro zvenyu, nyama yavanakomana navanasikana vamakapiwa naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pamunenge makakombwa kudaro, matambudzwa navavengi venyu, muchasvika pakutodya vana venyu vokubereka, nyama yavana venyu chaivo vakomana navasikana vamunenge mapiwa naTenzi Mwari wenyu, munhamo iyoyo yokukombwa kwamaguta enyu navavengi venyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Uchadya zvibereko zvomuviri wako, nyama yavanakomana vako navanasikana vako, vawakapiwa naJehovha Mwari wako, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako.
Shona 2009?
"Uchadya zvibereko zvomuviri wako, nyama yavanakomana vako navanasikana vako, vawakapiwa naJehovha Mwari wako, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako.
Shona SUB 2002 Bible
“Uchadya zvibereko zvomuviri wako, nyama yavanakomana vako navanasikana vako, vawakapiwa naJehovha Mwari wako, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako.