Deuteronomy 28:54 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Murume unoʋundere nounoʋuneŋgwe kwaɀo pakati pako ucaʋa nomufuŋgo wakaipa kuhama yake, nokumukadzi wake waanoɗa, nokuʋana ʋake ʋaaneŋge asarirwa naʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange munhu uya munyoro anonzwisisa pakati penyu haazovi netsitsi kuhama yake chaiyo kana kumukadzi wake waanoda kana kuvana vake vaanoda vapenyu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange murume ane mwoyo munyoro wokuziva hama, haazonzwira tsitsi mukoma kana munun'una wake kunyange mudzimai wake, chido chomwoyo wake, kana vana vake vanenge vachiripo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Murume unoundere nounounengwe kwazvo pakati pako uchava nomufungo wakaipa kuhama yake, nokumukadzi wake waanoda, nokuvana vake vaanenge asarirwa navo;
Shona 2009?
Murume unoundere nounounengwe kwazvo pakati pako uchava nomufungo wakaipa kuhama yake, nokumukadzi wake waanoda, nokuvana vake vaanenge asarirwa navo;
Shona SUB 2002 Bible
Murume uno undere nouno unengwe kwazvo pakati pako uchava nomufungo wakaipa kuhama yake, nokumukadzi wake waanoda, nokuvana vake vaanenge asarirwa navo;