Deuteronomy 28:56 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mukadzi unoʋundere nounoʋuneŋgwe pakati pako, wakaŋga asiŋgaɗi kutsika pasi norutsoka rwake nokuɗa kwoʋuneŋgwe bgake noʋundere bgake, ucaʋa nomufuŋgo wakaipa kumurume wake waanoɗa, nomŋanakomana wake, nomŋanasikana wake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi ane unyoro uye anonzwisisa pakati penyu, ane unyoro nokunzwisisa zvokuti haangatsiki pasi norutsoka rwake pakati penyu, achava nomufungo wakaipa kumurume waanoda nokumwanakomana kana mwanasikana wake
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kanawo mukadzi ane mwoyo munyoro wokuziva hama, anenge akapfuma zvokuti haasati ambofunga mumwoyo make kuti rutsoka rwake ruchatsika pasi, haazonzwira tsitsi murume wake, chido chemwoyo wake, kana mwana wake mukomana kana musikana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mukadzi unoundere nounounengwe pakati pako, wakanga asingadi kutsika pasi norutsoka rwake nokuda kwounengwe hwake noundere hwake, uchava nomufungo wakaipa kumurume wake waanoda, namwanakomana wake, nomwanasikana wake;
Shona 2009?
Mukadzi unoundere nounounengwe pakati pako, wakanga asingadi kutsika pasi norutsoka rwake nokuda kounengwe hwake noundere hwake, uchava nomufungo wakaipa kumurume wake waanoda, nemwanakomana wake, nomwanasikana wake;
Shona SUB 2002 Bible
Mukadzi uno undere nouno unengwe pakati pako, wakanga asingadi kutsika pasi norutsoka rwake nokuda kwounengwe hwake noundere hwake, uchava nomufungo wakaipa kumurume wake waanoda, namwanakomana wake, nomwanasikana wake;