Deuteronomy 28:57 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokumŋana wake muɗuku, waacaŋgoɓereka, nokuʋana ʋake ʋaacazoɓereka; nokuti ucadya pakaʋanda nokuɗa kwokushaiwa ɀinhu ɀose, kana wokombga nokumanikidzwa naʋaʋeŋgi ʋako pamasuʋo ako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
achangobva kuzvarwa kubva muchizvaro chake uye nevana vaanobereka. Nokuti anenge achida kuzovadya pakavanzika panguva yokukombwa nokutambudzwa kwamuchaitwa nomuvengi wenyu muri mumaguta enyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achangobva mukusununguka, achadya muchivande mwana wake mucheche pamwechete nechavakuru chake pamusana pokuti panenge pasisina chokubata munhamo iyoyo yokukombwa kwemaguta enyu navavengi venyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokumwana wake muduku, waachangobereka, nokuvana vake vaachazobereka; nokuti uchadya pakavanda nokuda kwokushaiwa zvinhu zvose, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuo ako.
Shona 2009?
nokumwana wake muduku, waachangobereka, nokuvana vake vaachazobereka; nokuti uchadya pakavanda nokuda kokushaiwa zvinhu zvose, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuo ako.
Shona SUB 2002 Bible
nokumwana wake muduku, waachangobereka, nokuvana vake vaachazobereka; nokuti uchadya pakavanda nokuda kwokushaiwa zvinhu zvose, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuwo ako.