Deuteronomy 28:62 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mucasara maʋa ʋashoma, kunyaŋge makaŋga muri ʋazhinji senyeredzi dzokuɗeŋga; nokuti hauna‐kuterera inzwi raJehova Mŋari wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imi maimbova makawanda senyeredzi dzokudenga muchasara mangova vashoma, nokuti hamuna kuteerera Jehovha Mwari wenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muchasara mava vanhu vashomanana asi imi maimbova senyenyedzi kuwanda nokuti munenge musina kuteerera zvinorehwa naTenzi Mwari wenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muchasara mava vashoma, kunyange makanga muri vazhinji senyeredzi dzokudenga; nokuti hauna kuteerera izwi raJehovha Mwari wako.
Shona 2009?
Muchasara mava vashoma, kunyange makanga muri vazhinji senyeredzi dzokudenga; nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako.
Shona SUB 2002 Bible
Muchasara mava vashoma, kunyangwe makanga muri vazhinji senyenyedzi dzokudenga; nokuti hauna kuteerera izwi raJehovha Mwari wako.