Deuteronomy 28:67 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
maŋgwanani ucati: Ƌai aiʋa maɗekwana! Maɗekwana ucati: Ƌai aiʋa maŋgwanani! nokutya kwomŋoyo wako, kwaucatya nako, ʋuye nokuɗa kweɀaucaʋona nameso ako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mangwanani muchati, “Dai chete anga ari madekwana!” uye madekwana muchati, “Dai chete anga ari mangwanani!”—nokuda kwokutya kuchazadza mwoyo yenyu nokuda kwezvinhu zvamuchaona nameso enyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pako uchapashaya, mangwanani mwoyo wako unenge wongoti dai kwachidoka zvako, kana kwazodoka wochemera kuti dai zuva rachibuda zvaro. Izvozvo unenge wava nebapu mumwoyo mako rokutya chose chose chawaona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mangwanani uchati, ‘Dai aiva madekwana!’ Madekwana uchati, ‘Dai aiva mangwanani!’ Nokudya kwomwoyo wako, zvauchaona nameso ako.
Shona 2009?
mangwanani uchati, `Dai aiva madekwana!' Madekwana uchati, `Dai aiva mangwanani!' Nokutya komoyo wako, zvauchaona nameso ako.
Shona SUB 2002 Bible
mangwanani uchati, ‘Dai aiva madekwana!’ Madekwana uchati, ‘Dai aiva mangwanani!’ Nokudya kwomwoyo wako, zvauchaona nameso ako.