Deuteronomy 29:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino kana acinzwa mashoko okupika uku, aɀirumbidze pamŋoyo wake, aciti: Ndicaʋa norugare, kunyaŋge ndicifamba haŋgu noʋukukutu bgomŋoyo waŋgu, kuti ɀakanyoroʋa neɀakawoma ɀiparadzwe pamŋe cete;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu akadaro akanzwa mashoko emhiko iyi, anozviropafadza uye naizvozvo agofunga kuti, “Ndichava norugare, kunyange ndikaramba ndichifamba nenzira yangu.” Izvi zvichauyisa njodzi panyika nyoro uye napanyika yakaoma.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu akadaro angati kana anzwa mazwi aya echitenderano ichi chakaitwa nemhiko otozvipa chikomborero nechomumwoyo achiti, ‘Zvose zvichandifambira zvakanaka, kunyange zvangu ndichizvitutumadza mukupanduka kwangu.’ Izvozvi zvichakusvitsai pakuti kana morangwa, mokukurwa mose vakanaka navakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino kana achinzwa mashoko okupika uku, azvirumbidze pamwoyo wake, achiti, ‘Ndichava norugare, kunyange ndichifamba hangu noukukutu hwomwoyo wangu, kuti zvakanyorova nezvakaoma zviparadzwe pamwechete’;
Shona 2009?
zvino kana achinzwa mashoko okupika uku, azvirumbidze pamoyo wake, achiti, `Ndichava norugare, kunyange ndichifamba hangu noukukutu hwomoyo wangu, kuti zvakanyorova nezvakaoma zviparadzwe pamwechete';
Shona SUB 2002 Bible
zvino kana achinzwa mashoko okupika uku, azvirumbidze pamwoyo wake, achiti, ‘Ndichava norugare, kunyangwe ndichifamba hangu noukukutu hwomwoyo wangu, kuti zvakanyorova nezvakaoma zviparadzwe pamwechete’;