Deuteronomy 29:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova haaŋgamukaŋganwiri, asi neŋguʋa iyo kutsamŋa kwaJehova neshuŋgu dzake ɀicapfuŋgairira munhu uyo, nokutukwa kwose kwakanyorwa mubuku iyi kucamunamatira; Jehova ucadzima zita rake pasi pokuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha haazombodi kumukanganwira; hasha dzake neshungu dzake zvichapisa pamusoro pomunhu uyo. Kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri kuchawira pamusoro pake, uye Jehovha achadzima zita rake kubva pasi pedenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi haamboregerera munhu iyeyo, asi kutoti hasha dzaTenzi dzichamuvirukira. Majambwa ose aye akanyorwa mubhuku rino iri achamuwira. Tenzi achatsakatisa zita rake panyika pano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha haangamukanganwiri, asi nenguva iyo kutsamwa kwaJehovha neshungu dzake zvichapfungairira munhu uyo, nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iyi kuchamunamatira; Jehovha uchadzima zita rake pasi pokudenga.
Shona 2009?
Jehovha haangamukangamwiri, asi nenguva iyo kutsamwa kwaJehovha neshungu dzake zvichapfungairira munhu uyo, nokutukwa kose kwakanyorwa mubhuku iyi kuchamunamatira; Jehovha uchadzima zita rake pasi pokudenga.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha haangamukanganwiri, asi nenguva iyo kutsamwa kwaJehovha neshungu dzake zvichapfungairira munhu uyo, nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iyi kuchamunamatira; Jehovha uchadzima zita rake pasi pokudenga.