Deuteronomy 29:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino rudzi runoteʋera, iʋo ʋana ʋenyu ʋacamuka pashure penyu, naʋatorwa ʋanobva kunyika iri kure, kana ʋaciʋona maɗambudziko enyika iyo, namatenda aicarwadziswa nawo naJehova;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vana venyu ivo marudzi achazokuteverai uye navatorwa vachauya kubva kunyika dziri kure pavachazoona matambudziko achawira nyika uye nezvirwere zvaicharohwa nazvo naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvizvarwa zvenyu zvichaberekwa zvichatarisa pamwechete nomutorwa anobva pasi kwenyika, zvichiona nhamo nezvirwere munyika yenyu zvichange zvaunzwa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino rudzi runotevera, ivo vana venyu vachamuka pashure penyu, navatorwa vanobva kunyika iri kure, kana vachiona madambudziko enyika iyo, namatenda aicharwadziswa nawo naJehovha;
Shona 2009?
Zvino rudzi runotevera, ivo vana venyu vachamuka pashure penyu, navatorwa vanobva kunyika iri kure, kana vachiona matambudziko enyika iyo, namatenda aicharwadziswa nawo naJehovha;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino rudzi runotevera, ivo vana venyu vachamuka pashure penyu, navatorwa vanobva kunyika iri kure, kana vachiona matambudziko enyika iyo, namatenda aicharwadziswa nawo naJehovha;