Deuteronomy 29:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋuye ndudzi dzose dzicati: Jehova wakaitira nyika iyo saiɀoɀo neiko? Kupisa kwokutsamŋa uku kukuru kunoti kuɗiniko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndudzi dzose dzichabvunza dzichiti, “Ko, sei Jehovha akaita izvi kunyika iyi. Sei akatsamwa zvinotyisa kudai?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Heeka, ndudzi dzose dzevanhu dzichati, ‘Seiko Tenzi akaitira nyika iyoyi zvakadai? Ko kuviruka nehasha zvakadai kunorevei?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uye ndudzi dzose dzichati, ‘Jehovha wakaitira nyika iyo saizvozvo neiko? Kupisa kwokutsamwa uku kukuru kunoti kudiniko?’
Shona 2009?
uye ndudzi dzose dzichati, `Jehovha wakaitira nyika iyo saizvozvo neiko? Kupisa kokutsamwa uku kukuru kunoti kudiniko?'
Shona SUB 2002 Bible
uye ndudzi dzose dzichati, ‘Jehovha wakaitira nyika iyo saizvozvo neiko? Kupisa kwokutsamwa uku kukuru kunoti kudiniko?’