Deuteronomy 29:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
naiɀoɀo kutsamŋa kwaJehova kwakamukira nyika iyi, kuti aituke nokutuka kwose kwakanyorwa mubuku iyi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro penyika iyi, zvokuti akauyisa pamusoro payo kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokusaka hasha dzaTenzi, dzakavirukira nyika iyoyi, akaita kuti majambwa akanyorwa mubhuku rino iri aiwire.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira nyika iyi, kuti aituke nokutuka kwose kwakanyorwa mubhuku iyi.
Shona 2009?
naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira nyika iyi, kuti aituke nokutuka kose kwakanyorwa mubhuku iyi.
Shona SUB 2002 Bible
naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira nyika iyi, kuti aituke nokutuka kwose kwakanyorwa muBhuku iri.