Deuteronomy 3:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa iyo ndakakurairai, ndikati: Jehova Mŋari wenyu wakakupai nyika iyo kuti iʋe yenyu; ɀino munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu, ʋana ʋaIsraeri, makashoŋga nhumbi dzokurwa, imi ʋarume ʋose mhare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyo ndakakurayirai, ndikati, “Jehovha Mwari wenyu akakupai nyika iyi kuti ive yenyu. Asi varume vose vakasimba vanofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu vaIsraeri, vakashonga nhumbi dzokurwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ipapo ndakakuudzai kuti, ‘Tenzi Mwari wenyu akakupai nyika iyoyo kuti muiite yenyu. Varwi venyu ngavapakate zvombo zvavo vayambuke Jorodhani vatungamire mberi kwehama dzavo vaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nenguva iyo ndakakurairai, ndikati, ‘Jehovha Mwari wenyu wakakupai nyika iyo kuti ive yenyu; zvino munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu, vana vaIsiraeri, makashonga nhumbi dzokurwa, imi varume vose mhare.
Shona 2009?
"Nenguva iyo ndakakurairai, ndikati, `Jehovha Mwari wenyu wakakupai nyika iyo kuti ive yenyu; zvino munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu, vana vaIsiraeri, makashonga nhumbi dzokurwa, imwi varume vose mhare.
Shona SUB 2002 Bible
“Nenguva iyo ndakakurairai, ndikati, ‘Jehovha Mwari wenyu wakakupai nyika iyo kuti ive yenyu; zvino munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu, vana VaIsiraeri, makashonga nhumbi dzokurwa, imi varume vose mhare.