Deuteronomy 3:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuȿikira Jehova apa hama dzenyu zororo semi, kuti naiʋo ʋaʋe nenyika yaʋanopiwa naJehova Mŋari wenyu mhiri kwaJoridani; ipapo muŋgadzokera mumŋe nomumŋe kunhaka yake, yandakakupai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo sezvaakarayira kwamuri, uye naivowo vatora nyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani. Shure kwaizvozvo mumwe nomumwe wenyu achadzoka kunhaka yandakakupai.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muchaita izvozvi kudzamara Tenzi apawo hama dzenyu nzvimbo dzokuchizorora sezvaakakuitiraiwo imi. Kusvikira vatora nyika yavari kupiwa naTenzi mhiri kwaJorodhani. Mumwe nomumwe wenyu ndipo paachazodzokera kunhaka yake yandakamupa.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, kuti naivo vave nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani; ipapo mungadzokera mumwe nomumwe kunhaka yake, yandakakupai.’
Shona 2009?
kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, kuti naivo vave nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani; ipapo mungadzokera mumwe nomumwe kunhaka yake, yandakakupai.'
Shona SUB 2002 Bible
kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, kuti naivo vave nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJodhani; ipapo mungadzokera mumwe nomumwe kunhaka yake, yandakakupai.’