Deuteronomy 30:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kana uciterera inzwi raJehova Mŋari wako, nokuceŋgeta mirairo yake neɀaakatema, ɀakanyorwa mubuku iyi yomurairo; kana ukadzokera kunaJehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose nomŋeya wako wose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kana ukateerera Jehovha Mwari wako nokuchengeta mirayiro yake nemitemo yake yakanyorwa mubhuku iri roMurayiro uye ukadzoka kuna Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndokunge wateerera zvinorehwa naTenzi Mwari wako, uchichengeta mitemo nemirao yake yakanyorwa mubhuku iri romutemo, uye ndokungewo wadzokera kuna Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kana uchiteerera izwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvakanyorwa mubhuku iyi yomurayiro; kana ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.
Shona 2009?
kana uchiteerera inzwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvakanyorwa mubhuku iyi yomurayiro; kana ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako nomoyo wako wose nomweya wako wose.
Shona SUB 2002 Bible
kana uchiteerera izwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvakanyorwa muBhuku iri roMurairo; kana ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.