Deuteronomy 30:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hauzi mhiri kweguŋgwa, kuti uti: Ndianiko ucatiyambukira mhiri kweguŋgwa, andotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, tiuite?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana kuti uri mhiri kwegungwa zvokuti mungabvunza muchiti, “Ndiani angatiyambukira mhiri kundotitorera kuti atiparidzire kuti tiuite.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hausiri kumhiri kwegungwa zvokuti ungati, ‘Ndianiko angatiyambukire gungwa kundotiunzira murao wacho tiunzwe tiuchengete?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hauzi mhiri kwegungwa, kuti uti, ‘Ndianiko uchatiyambukira mhiri kwegungwa, andotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, tiuite?’
Shona 2009?
Hauzi mhiri kwegungwa, kuti uti, `Ndianiko uchatiyambukira mhiri kwegungwa, andotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, tiuite?'
Shona SUB 2002 Bible
Hauzi mhiri kwegungwa, kuti uti, ‘Ndianiko uchatiyambukira mhiri kwegungwa, andotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, tiuite?’