Deuteronomy 30:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀandinokuraira nhasi ndiɀo, kuti uɗe Jehova Mŋari wako, nokufamba munzira dzake, nokuceŋgeta mirairo yake neɀaakatema neɀaakatoŋga, kuti urarame, uwande, ʋuye kuti Jehova Mŋari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti iʋe yako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndinokurayira kuti ude Jehovha Mwari wako nhasi, kuti ufambe munzira dzake nguva dzose uye uchengete zvaakarayira, mitemo nemirayiro yake; ipapo uchararama nokuwanda, uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yauri kupinda kuti uitore.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana ukachengeta mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukuudza nhasi uno, ukada Tenzi Mwari wako nokufamba munzira dzake uchichengeta zvirevo nemitemo nemirao yake, muchagara zvenyu mugowanda, ipapo Tenzi Mwari wenyu achakukomborerai munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvandinokuraira nhasi ndizvo, kuti ude Jehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema nezvaakatonga, kuti urarame, uwande, uye kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti ive yako.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible