Deuteronomy 30:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinoɗana kuɗeŋga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako ʋupenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naiɀoɀo tsaura ʋupenyu, kuti urarame, iwe naʋana ʋako;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhasi uno ndinodana denga nenyika kuti zvikupupurirei kuti ndaisa pamberi penyu upenyu nerufu, maropafadzo nokutukwa. Zvino sarudza upenyu, kuitira kuti iwe navana vako mugorarama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Denga nenyika ngazvindipupurirewo nhasi uno kwauri kuti ndakuisira uku upenyu, uku rufu uyewo uku chikomborero, uku rushambwa kuti uzvisarudzire. Saka chisarudza upenyu kuti urarame iwe navana vako,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinodana kudenga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako;
Shona 2009?
Ndinodana kudenga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako;
Shona SUB 2002 Bible
Ndinodana kudenga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako;