Deuteronomy 30:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti uɗe Jehova Mŋari wako, nokuterera inzwi rake, nokumunamatira; nokuti ndibgo ʋupenyu bgako, nokuwanzwa kwamazuʋa ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehova madziɓaɓa ako, Abrahama naIsaka naJakobo, kuti ucaʋapa iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye ugoda Jehovha Mwari wako, unzwe inzwi rake, nokubatirira paari. Nokuti Jehovha ndiye upenyu hwako, uye achakupa makore mazhinji munyika yaakapika kuti achaipa kumadzibaba enyu Abhurahama, naIsaka naJakobho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ude Tenzi Mwari wako, umuteerere, uti kwati kwati naye nokuti ndiye upenyu hwako nezvo achakupa mazuva mazhinji okuti ugare munyika yakatsidzwa naTenzi kupa madzitateguru ako vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera izwi rake, nokumunamatira; nokuti ndihwo upenyu hwako, nokuwanzwa kwamazuva ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehovha madzibaba ako, Abhurahamu naIsaka naJakobho, kuti uchavapa iyo.”
Shona 2009?
kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira; nokuti ndihwo upenyu hwako, nokuwanzwa kwamazuva ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehovha madzibaba ako, Abhurahamu nalsaka naJakobho, kuti uchavapa iyo."
Shona SUB 2002 Bible
kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera izwi rake, nokumunamatira; nokuti ndihwo upenyu hwako, nokuwanzwa kwamazuva ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehovha madzibaba ako, Abhurahamu naIsaka naJakobho, kuti uchavapa iyo.”