Deuteronomy 30:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova Mŋari wako ucadziŋgisa mŋoyo wako, nemŋoyo yaʋana ʋako, kuti uɗe Jehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, kuti urarame.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha Mwari wenyu achadzingisa mwoyo yenyu nemwoyo yezvizvarwa zvenyu, kuitira kuti mugomuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, mugorarama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi Mwari wako achaita kuti iwe navana vako muve nomwoyo wakatendeseka kwaari kuitira kuti ude Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose ugorarama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha Mwari wako uchadzingisa mwoyo wako, nemwoyo yavana vako, kuti ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, kuti urarame.
Shona 2009?
Jehovha Mwari wako uchadzingisa moyo wako, nemoyo yavana vako, kuti ude Jehovha Mwari wako nomoyo wako wose, nomweya wako wose, kuti urarame.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha Mwari wako uchadzingisa mwoyo wako, nemwoyo yavana vako, kuti ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, kuti urarame.