Deuteronomy 31:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuŋganidza ʋanhu, ʋarume naʋakadzi, nepxere, naʋatorwa ʋako ʋari pakati pamasuʋo ako, kuti ʋanzwe, ʋadzidze, ʋatye Jehova Mŋari wenyu, ʋacenjere kuita mashoko ose omurairo uyu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Unganidzai vanhu, varume, vakadzi navana uye navatorwa vagere mumaguta enyu, kuti vanzwe uye vazive kutya Jehovha Mwari wenyu nokutevera zvakanaka mashoko ose omurayiro uyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Unganidza vanhu varume navakadzi navana navatorwa vaunenge unavo mumaguta ako kuti vanzwe, vadzidze kuremekedza Tenzi Mwari wenyu, nokunyatsochengeta zvinorehwa nomutemo uyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuo ako, kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurayiro uyu;
Shona 2009?
Unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuo ako, kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurayiro uyu;
Shona SUB 2002 Bible
Unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuwo ako, kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurairo uyu;