Deuteronomy 31:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tarira, mazuʋa okufa kwako asweɗera; ɗana Joshua mundomira mutente rokusoŋgana, kuti ndimuraire iye. Mosesi naJoshua ʋakandomira mutente rokusoŋgana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Zvino zuva rokufa kwako rava pedyo. Dana Joshua mugondomira muTende Rokusangana kuti ndimurayire.” Saka Mozisi naJoshua vakauya vakazviratidza paTende Rokusangana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chitarisa uone kuti mazuva ako okuti uchifa ava kusvika. Chidaidza Joshuwa muende kutendhe rokusanganira kuti ndimuturire basa.” Mosesi naJoshuwa vakaenda kutendhe rokusanganira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, mazuva okufa kwako aswedera; dana Joshua mundomira mutende rokusangana, kuti ndimuraire iye.” Mosesi naJoshua vakandomira mutende rokusangana.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tarira, mazuva okufa kwako aswedera; dana Joshua mundomira mutende rokusangana, kuti ndimuraire iye." Mozisi naJoshua vakandomira mutende rokusangana.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, mazuva okufa kwako aswedera; dana Joshua mundomira mutende rokusangana, kuti ndimuraire iye.” Mosesi naJoshua vakandomira mutende rokusangana.