Deuteronomy 31:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tarira, iwe ucaʋata namadziɓaɓa ako; ɀino ʋanhu aʋa ʋacasimuka ndokupata ʋaciteʋera ʋamŋari ʋaʋatorwa ʋenyika, kwaʋanondogara pakati paʋo; ʋacandisiya, nokuputsa suŋgano yandakaita naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, “Uchavata namadzibaba ako, uye vanhu ava, zvino zvino, vachaita ufeve navamwari vavatorwa venyika yavari kupinda. Vachandirasa uye vachaputsa sungano yandakaita navo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chinzwa, nguva yako yokuti uchizorora namadzibaba ako, vachakabvu, yava padyo. Asi vanhu ava vachasara vopindwa nounzenza hwokundonamata vamwe vamwari venyika dziri kwavari kundogara mukati madzo. Vachasiyana neni vachityora chitenderano changu chandakaitirana navo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, iwe uchavata namadzibaba ako; zvino vanhu ava vachasimuka ndokupata vachitevera vamwari vavatorwa venyika, kwavanondogara pakati pavo; vachandisiya, nokuputsa sungano yandakaita navo.
Shona 2009?
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Tarira, iwe uchavata namadzibaba ako; zvino vanhu ava vachasimuka ndokupata vachitevera vamwari vavatorwa venyika, kwavanondogara pakati pavo; vachandisiya, nokuputsa sungano yandakaita navo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, iwe uchavata namadzibaba ako; zvino vanhu ava vachasimuka nokupata vachitevera vamwari vavatorwa venyika, kwavanondogara pakati pavo; vachandisiya, nokuputsa sungano yandakaita navo.