Deuteronomy 31:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kutsamŋa kwaŋgu kucaʋamukira neŋguʋa iyo, ndicaʋasiya nokuʋaʋanzira ciso caŋgu, ʋacaparadzwa, neɀakaipa ɀizhinji nenhamo zhinji ɀicaʋawira; naiɀoɀo neŋguʋa iyo ʋacati: Ko ɀinhu ɀakaipa iɀi haɀina‐kutiwira nokuti Mŋari weɗu haazi pakati peɗu here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iroro ndichavatsamwira ndigovarasa: ndichavanza chiso changu kubva kwavari, uye vachaparadzwa. Njodzi namatambudziko mazhinji zvichavawira uye pazuva iro vachabvunza vachiti, ‘Ko, hatina kuwirwa nenjodzi idzi nokuti Mwari wedu haasi pakati pedu here?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva iroro ndichavavirukira nehasha dzangu. Ndichavasiya ndovafuratira vagoparadzwa. Nhamo namatambudziko zvichavawira zvokuti vachati, ‘Hatina kuwirwa nenhamo idzi here pamusana pokuti Mwari wedu haachisiri pakati pedu?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kutsamwa kwangu kuchavamukira nenguva iyo, ndichavasiya nokuvavanzira chiso changu, vachaparadzwa, nezvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvichavawira; naizvozvo nenguva iyo vachati, ‘Ko zvinhu zvakaipa izvi hazvina kutiwira nokuti Mwari wedu haazi pakati pedu here?’
Shona 2009?
Zvino kutsamwa kwangu kuchavamukira nenguva iyo, ndichavasiya nokuvavanzira chiso changu, vachaparadzwa, nezvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvichavawira; naizvozvo nenguva iyo vachati, `Ko zvinhu zvakaipa izvi hazvina kutiwira nokuti Mwari wedu haazi pakati pedu here?'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kutsamwa kwangu kuchavamukira nenguva iyo, ndichavasiya nokuvavanzira chiso changu, vachaparadzwa, nezvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvichavawira; naizvozvo nenguva iyo vachati, ‘Ko zvinhu zvakaipa izvi hazvina kutiwira nokuti Mwari wedu haazi pakati pedu here?’