Deuteronomy 31:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino munofanira kuɀinyorera rwiyo urwu, ugorudzidzisa ʋana ʋaIsraeri; uruise mumiromo yaʋo, kuti rwiyo urwu rundipupurire kuʋana ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino zvinyorerei rwiyo urwu mugorudzidzisa kuvaIsraeri uye mugovaita kuti varuimbe, kuitira kuti chigova chapupu kwandiri pamusoro pavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Saka zvino chinyora rwiyo urwu, urwudzidzise vaIsiraeri, rugare ruri parurimi rwavo kuti ruve chapupu changu kuvaIsiraeri ivava.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo zvino munofanira kuzvinyorera rwiyo urwu rundipupurire kuvana vaIsiraeri.
Shona 2009?
"Naizvozvo zvino munofanira kuzvinyorera rwiyo urwu rundipupurire kuvana vaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo zvino munofanira kuzvinyorera rwiyo urwu rundipupurire kuvana VaIsiraeri.