Deuteronomy 31:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana ndaʋapinza panyika yandakapikira madziɓaɓa aʋo, iyo inoyerera mukaka noʋuci, iʋo ʋakadya, ʋakaguta, ʋakakora, ipapo ʋacatsaukira kunaʋamŋe ʋamŋari nokuʋashumira, ʋakandiɀidza ini, nokuputsa suŋgano yaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana ndichinge ndavauyisa munyika inoerera mukaka nouchi, nyika iyo yandakavimbisa nemhiko kumadzitateguru avo, uye kana vachinge vadya vaguta uye vakora, vachatsaukira kuna vamwe vamwari vagovanamata, vachindiramba uye vachiputsa sungano yangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti kana ndavasvitsa munyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi yandakatsidzira madzibaba avo, vadya vakora vachapanduka votevera vamwe vamwari. Ndivo vavachashandira ini vachindishora zvavo, nokutyora chitenderano changu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana ndivapinza panyika yandakapikira madzibaba avo, iyo inoyerera mukaka nouchi, ivo vakadya, vakaguta, vakakora, ipapo vachatsaukira kuna vamwe vamwari nokuvashumira, vakandizvidza ini, nokuputsa sungano yangu.
Shona 2009?
Nokuti kana ndavapinza panyika yandakapikira madzibaba avo, iyo inoyerera mukaka nouchi, ivo vakadya, vakaguta, vakakora, ipapo vachatsaukira kuna vamwe vamwari nokuvashumira, vakandizvidza ini, nokuputsa sungano yangu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana ndivapinza panyika yandakapikira madzibaba avo, iyo inoyerera mukaka nouchi, ivo vakadya, vakaguta, vakakora, ipapo vachatsaukira kuna vamwe vamwari nokuvashumira, vakandizvidza ini, nokuputsa sungano yangu.