Deuteronomy 31:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ɀakaipa ɀizhinji nenhamo zhinji ɀikaʋawira, rwiyo urwu rucaʋa capupu kupupura pamberi paʋo; nokuti haruŋgakaŋganikwi pamiromo yaʋana ʋaʋo, nokuti ndinoziʋa ndaŋgariro dzaʋanoruka nhasi, ndicigere kuʋapinza panyika yandakaʋapikira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kana njodzi namatambudziko mazhinji zvavawira, rwiyo urwu ruchavapupurira pamusoro pavo, nokuti haruzombokanganwikwi nezvizvarwa zvavo. Ini ndinoziva zvavachazoita, kunyange ndisati ndavauyisa munyika yandakavavimbisa nemhiko.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana nhamo namatambudziko zvazovamomotera, rwiyo urwu rwuchamira sechapupu changu kwavari nokuti haruzombobva parurimi rwavana vavo. Ndiri kuziva zvangu zvavari kuronga kuita, izvozvi, ndisati ndavayambutsira munyika yandakavatsidzira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana zvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvikavawira, rwiyo urwu ruchava chapupu kupupura pamberi pavo; nokuti harungakanganikwi pamiromo yavana vavo, nokuti ndinoziva ndangariro dzavanoruka nhasi, ndichigere kuvapinza panyika yandakavapikira.”
Shona 2009?
Zvino kana zvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvikavawira, rwiyo urwu ruchava chapupu kupupura pamberi pavo; nokuti harungakanganikwi pamiromo yavana vavo, nokuti ndinoziva ndangariro dzavanoruka nhasi, ndichigere kuvapinza panyika yandakavapikira."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana zvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvikavawira, rwiyo urwu ruchava chapupu kupupura pamberi pavo; nokuti harungakanganikwi pamiromo yavana vavo, nokuti ndinoziva ndangariro dzavanoruka nhasi, ndichigere kuvapinza panyika yandakavapikira.”