Deuteronomy 31:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaraira Joshua, mŋanakomana waNuni, akati: Simba, utsuŋge mŋoyo, nokuti iwe ucapinza ʋana ʋaIsraeri panyika yandakaʋapikira; neni ndicaʋa newe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akapa murayiro uyu kuna Joshua mwanakomana waNuni akati, “Simba utsunge mwoyo, nokuti uchauyisa vaIsraeri munyika yandakavavimbisa nemhiko, uye ini pachangu ndichava newe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Tenzi akaudza Joshuwa mwana waNuni achiti, “Shinga utsunge mwoyo, nokuti ndiwe uchasvitsa vaIsiraeri munyika yandakavatsidzira. Ini ndichava newe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaraira Joshua, mwanakomana waNuni, akati, “Simba, utsunge mwoyo, nokuti iwe uchapinza vana vaIsiraeri panyika yandakavapikira; neni ndichava newe.”
Shona 2009?
Akaraira Joshua, mwanakomana waNuni, akati, "Simba, utsunge moyo, nokuti iwe uchapinza vana vaIsiraeri panyika yandakavapikira; neni ndichava newe."
Shona SUB 2002 Bible
Akaraira Joshua, mwanakomana waNuni, akati, “Simba, utsunge mwoyo, nokuti iwe uchapinza vana VaIsiraeri panyika yandakavapikira; neni ndichava newe.”